ZION CHRISTIAN CHURCH CONSOLIDATED TABAKONI EASTER

ZION CHRISTIAN CHURCH
CONSOLIDATED TABAKONI EASTER GOKWE
15-18 May 2014
1. CHII CHINOTIKONESA KUFUMA MAZION?
MaZion tose tinokona kufuma nokuda kwekusaziva zvokutanga kana tawana mari nezvimwe
zvose zvatinoshandisa mukurarama. Shoko guru kana uchinge wawana mari kana une
programme yako yaunoda kufambisa chingogona kutanga zvaMwari first, zvaakatema
akatonga nokuraira mumba make. Tangai kutsvaga zvoushe hwekudenga (Mateo 6 vs. 33).
Kana ari seMuporofita Hagai anototi inguva here yamungagara muchishongedza dzimba
dzenyu nematanda, iyo imba yaMwari riri dongo (Hagai 1 vs. 4). Izvo kushongedza dzimba
dzenyu nematanda, kudzishongedza nefurniture, iyo imba yaMwari ichida kuvakwa. Gonai
kutanga zvoushe hwaMwari muchaona zvose zvenyu zvichifambavo. Vose vamunoona
vachimanyira kuvaka dzimba dzavo vachitadza kutanga zvoushe hwokumusoro tichavabata
panzira.
2. MUSANYIMA VANA VADOKO MUKANA WOKUUYA PAMBERI PAMWARI
Takafara zvikuru kuita ungano huru yeSunday school paMbungo tikaona vana vakawanda
vakauya kuungano iyi. Saka takaona kuti zvakanaka kugara tichiita ungano dzevana vadoko
nokuti Kristu ndiye akati regai vana vadoko vauye kwandiri nokuti hushe hwokudenga
ndehwavo (Mateo 18 vs. 2).Vana vakaungana paMbungo tikati simudzai maoko vanosinwa
chirairo tikaona kuti vana vazhinji vanga vachisiiwa kuuya pamberi paMwari weZion. Chero
ukatora mwana wokuno kuGokwe kana wokuRhodesia ukamubvunza kuti unoziva here
kuDefe kunoitirwa 20 July unowana vana vazhinji vasingakuzivi. Ndokusaka takaisa ungano
ye20 July munaAugust iri holiday zvikoro zvakavharwa kuti muuye navana vadoko vose
pazuva raSamere muranda waMwari. Saka nhasi ndinofara zvikuru pazuva rino romusi
wechina zuva rokusungwa kwaKristu tichitaura pamusoro pake kuvana vadoko. Tinoda
zvikuru kuti vana vadoko vazive mastory iwaya okusungwa komwanakomana waMwari
vakure vachizviziva. Isu tichikura takakura tichiziva memory verse yokuti nokudaro Mwari
wakada nyika akaipa mwanakomana wake mumwe oga kuti aninani anotenda kwaari ave
nehupenyu husingaperi (Johane 3 vs. 16).
3. KANA KRISTU ACHITI HUPENYU HUSINGAPERI UNOREVA KUPINDA DENGA (Johane
3 vs. 16).
Kuna vamwe vanhu vakuru vari pano vanopinda Zion vakagara pano vanonakirwa nokupinda
Zion vasinganakirwi nokupinda denga. Vamwe vauya pano ukamubvunza kuti wauya pano
paungano unoda zvokuinda kudenga here unotokuudza kuti ndavinga zvokuti business rangu
rifambe kwete zvokuenda kudenga. Mumwe musikana unonzwa achitoti auya pano kuti dai
Jehovha vandivakisa zvokuti kuenda kudenga hazvimo maari. Vamwe Havana kunzwa
mastory okuenda kudenga vakangonzwa mastory emotikari vamwe avakadzi, vamwe emari
saka vanhu vakadaro zvavakanzwa ndizvo zvavanouya kuzotsvaka. Mwari vakati ndabaya
dede nomumukanwa kugadzirira munhu denga hezvo munhu wacho haatodi zvokutoenda
kudenga. Umwe mukomana unonakirwa negwiti kudarika kuenda kudenga. Saka kupedza
nguva kuuya paZion iwe usina mweya wokuenda kudenga.
4. JEHOVHA WAKAVAMBA ZION KUTI VANHU VAVANHU VAKE VANOTAMBUDZIKA
VAVANDEMO (Isaya 14 vs. 32).
Mwari haana kuvambira Zion vanhu vanotambudzika nokushaiwa chikafu kana
vanotambudzika nemakumbo kana nokurwara. Zion yakavambirwa kutambura kukuru
kuchauya, kwehondo huru dzokudenga dzichauya nevanyai vedenga kana Mucheki mukuru
ouya. Zvose zvatinoona nhasi kuvamba kwenhamo, nhamo chaiyo ichauya nezuva
rokupedzisira. Zion yakavambirwa vanhu kuti vasatambura nokunopinda mugehena ivo
vambopinda Zion.Kwete kuti Jehovha ungavambira Zion vanotambudzika nokushaiwa
sadza.Umwe unoti kushaiwa suit yokuchinja unototi watambudzika, Kristu wakavamba Zion
akaita muZion, akaita kuti maZion asatambudzika nokuenda kugehena. Kristu haana kuita
somuroyi unotenga jira raasingazofuki, Kristu wakavamba Zion akaita muZion (Johane 12 vs
15).
5. MUFARO MUKURU NDEWEMUNHU WAWANA DENGA (Ruka 16 vs. 23)
Vanhu vazhinji pamazuva aDevas vaichiva chikafu chaiungana patafura yake vachichochora
zvikuru nokupfeka nguwo tsvuku dzakanaka (Ruka16 vs. 19). Hezvo nguva dzose vanhu
Havana kuziva kuti uyu hausi mufaro asi mavambo enhamo.Vanhu vachiona Razaro
achinonga zvinhu pasi petafura yaDevas vaiva vasingazivi kuti muridzi womufaro ndiRazaro
kutambura kwaaiita pasi aiva mavambo omufaro. Devas wakazoti afa ari pagehena otambura
nokutsva ndipo paakazoona Razaro avapamufaro akakumbira kuti apihwe mvura naRazaro
(Ruka 16 vs. 24).
6. ZUVA RANHASI ROMUSI WOKUSUNGWA KWAKRISTU HARISI ROKUBATWA NEHOPE
SAPETROS (Mateo 26 vs. 40).
Nyaya huru pazuva ranhasi ndeyekuti Petros waivimbiwa naKristu iye Judas mutengesi aripo.
Kristu wakanga akaisa moyo wake nokuvimba patsotsi. Kristu wakati Petros nguva ino rindai
munamate musapinda pakuidzwa iye ndipo paakabatwa nehope huru (Mateo 26 vs. 41).
Kristu wakanga aona kuti mberi uko kuri kuuya muedzo mukuru asi mushonga wekukunda
muyedzo uyu waiva wokunamata chete. Saka maZion nhasi tiri pazuva guru, umwe noumwe
paakagara ona kuti hauna kugara here naPetros, kureva munhu asingatani kubatwa nehope.
7. MUSABATWA NEHOPE SAPETROS PANGUVA ISINGADI HOPE (Ruka 22 vs. 40)
Kristu wakaraira Petros vari mugarden reGatsemane akati rindai munyengetere murege
kupinda pakuidzwa (Ruka 22 vs. 40). Asi kunyangwe zvakadaro vana Petros nevamwe
vadzidzi vakabatwa nehope zhinji vakavata. Musi uyu vakaita sokuti vaisirwa zimbani kuti
vasambomuka. Izvo chaiitirwa kuti vadzidzi vasavata raiva shoko rokuti vasaiswa pakuedzwa.
Saka maZion musakara kuvata, Kristu unoti kana monamata kumbirai kuti Ishe musatirega
tichienda pakuidzwa (Mateo 6 vs. 13). Mushonga wokuti musapinda pakuidzwa kuramba
hope monyengetera.
8. CHENJERAI KURAMBA KRISTU JONGWE RISATI RARIRA KATATU (Mateo 26 vs. 69-74)
Petros waiva mudzidzi waivimbiwa naye naKristu asi nokuda kwekuti wakanzi rindai
munyengetere iye ndokubatwa nehope huru, wakazoudzwa kuti uchandiramba jongwe risati
rarira katatu. Zvino Kristu wakazoti asungwa Petros wakambozamavo kumira mira akacheka
muJudha zheve nemunondo asi kubva ipapo wakanga otevera ari kumasure. Pavakasvika
paitongerwa Kristu, chimwe chisikana chakavinga Petros paaidziya moto chikati haasiye here
waifamba naKristu mazuva ose, iye akaramba Kristu katatu jongwe risati rarira. MaZion
munozviziva here kuti pakati pedu varipo vana Petros vacharamba Kristu jongwe risati rarira
katatu, vamwe takabva navo paMbungo vakapika mhiko dzeruvako Belvedere, vachiti
tichapedza before 17 May paGokwe Centre, asi chava kutoshamisa ndechokuti vazhinji
vakakonewa kureva kuti vakaramba Kristru jongwe rarira, asi vose vakapedza mhiko dzavo
ndimi makati isu hatidi kuramba Kristu .
9. KUZVININIPISA
Chinhu chinonzi Zion zvinoreva kuzvininipisa, kuzviisa pasi pomurairo kuunzwa nokuuita.
Ukaona usingagoni kuzvininipisa kunaMwari uchawanawo mukadzi asingagoni kuzvininipisa
kwauri. Uchazvara vana vasinga goni kuzvininipisa, unofanira kuzvibvunza kuti pa- position ipi
yaunokwana kuzvininipisa, mbuyawasha, vamwene, tezvara kana mukwasha tose tinofanira
kugona kuzvininipisa. Kristu ndiye mukuru wedu pakuzvininipisa (Vafiripi 2 heading).
10.ZION MUSHUKU UNOBEREKA MASHUKU ANONAKA
Kana mukaona mishuku iri mujiri musafunga kuti ndiyo yose inobereka michero yakanaka
kana inonaka. Imwe mishuku inorudza chose mashuku akawanda asi haanaki. Vamwe
unovaona vachimanyira mushuku hezvo havasati vamboudya, pavanoudya chete uchaona
nokusadzokapo. Hapana muti unoti iwo wakashata wobereka anonaka, asi kuti muti
wakanaka unoberekawo zvibereko zvakanaka wakashata unoberekawo zvinoshata (Mateo 7
vs. 16). Saka mudzimai umwe noumwe kana ari mumba make nomurume wake, munofanira
kuzvivhunza kuti isu takabereka mashuku anonaka here kana anoshata. Vamwe vadzidzisi
vatinavo angava Coordinator mashuku anoshata nokuti ukaona munhu achishaikwa
paanodiwa naMwari ndiko kushata kwacho ikoko. Zvino vanhu vakanakirwa noufundisi
ndevakahuita kare nokuti vanhu vaiva vashoma saka vainyengererwa, zvino nhasi kana
ukatamba - tamba nokushaikwa unowana basa rako rava noumwe munhu nokuti tinoda
zvinhu zvinofambidsa basa raMwari.
11.NDEZVASHE VARUME MUSAWORA MOYO
Ndianiko pakati pedu anotsamwiswa ne- the will of God. Kana ukanzwa munhu anoti
ndezvashe, varume musaora moyo, anoreva kuti zvose zvinotaurwa naMwari ndichaita
saizvozvo. Kureva kuti wakaropafadzwa munhu usingagumbuswi naKristu (Mateo 11 vs. 6).
12. MAZION KARAI UYE IVAI NEHAVI YOKUENDA KUDENGA
Ukaona uri muZion asina havi yokuda kuenda kudenga iwe uchida kunamata Mwari
wokudenga usingakari kuendako ziva kuti ndipo pafira tsoro yako.Chainzi naJohane
tendeukai ushe hwaswedera, aireva ushe hwekudenga asingarevi ushe hwepano pasi kuti
hwasvika kureva kuti tatenderwa kupinda denga (Mateo 3 vs. 2). Kristu paakangosvika ndipo
paakapa guarantee vanhu vose yokupinda denga. Munhu unopindira Zion kukumbira fuma
mumoyo make musina nyaya yokuenda kudenga hapana chinohwikwa naMwari.Kana uchida
kudema Mwari zvamazvirokwazvo kara kuenda kudenga zvobatana nokukumbira kwako
unodavirwa, kwete kuda mabenefits kunaMwari usinei nekupinda denga. Jehovha
wakavamba Zion kuti vanhu vawane pokuvanda gehena.
13. KANA UKATANGA KUFUNGA ZVOUSHE HWEKUMUSORO UCHAPIWA FUMA YEPANO
PASI( Ruka18 vs.29)
Mamwe maZion vari busy nokukumbira fuma yepano pasi kuna Mwari vasinga kumbiri kana
kunamatira kuenda kudenga. Petros rimwe zuva navamwe vadzidzi vakabvunza Kristu vakati
ko isu takasiya vakadzi, nevana, nefuma neminda nokuda kweushe hwokumusoro
tichikuteverai tichapiweiko? Kristu wakamupindura akati vose vakasiya zvose izvi nokuda
kwovushe hwaMwari vachapiwa zvizhinji kuna izvozvi nenguva ino huye upenyu husingaperi
nenguva inouya (Ruka18 vs. 30). Saka iwe kana uri muZion gona kutanga kufunga zvoushe
hwekumusoro uchaona zvose zvokuti ugare zvakanaka pano pasi zvichiwedzerwa. Zivai kuti
izvi zvokungotarisa zvepano pasi ndizvo zvakakonesa vana Divas kupinda denga (Ruka 16 vs.
23), izvo vanhu vaingotarisa zvepano pasi chete vasinei nezveupenyu hwekumusoro. Munhu
ane fuma anogona kutorwadziwa kuti afe achiti ndingasiya nani fuma yangu. Vose vanotanga
zvoushe hwekumusoro vachapiwa fuma asi vanoramba vakaita sehuku dzechikaranga
dzinozvikwarira pasina chinobuda .Izvo Mwari kuvanhu vaanoda ivo vachimudavo akati
vanhu ivavo havanetseki nokukwarakwata, ane tsika yokupa vadikanwa vake vavete
(Mapisarema 127 vs. 2).Ndivo vanozongoti vakavata votonzwa kuti:
i)
Mombe kana mbudzi yatobereka vana vaviri
ii)
Mukuwasha atouya kuroora
iii) Kana kungoti chakati chako chawanga uchida kuti chifambe chatofamba zvakanaka.
Asi vasingadi zvoushe hwekumusoro vachingotambura pamabasa pasina chavanowana.
Nyange mukatarira mubhaibheri vana David nana Solomon vakapiwa fuma nokuti vaifunga
zvoushe hwekumusoro.
14.VADZIDZISI VASINGAONEKWI VOSE VANOCHINJWA
Hazvina kunaka kuti munhu ane basa ashaikwe paanodiwa.Ndizvo zvakanzi kunyange Ishe
akakupai chingwa chenhamo,nemvura yokutamburira, asi zviso zvevadzidzisi hazvifaniri
kuvanda(Isaya 30 vs. 20). Saka ticharonga recovery inenge ichiteverera ichitora nhumbi
dzaMwari kuvanhu vanyangarika vasingachaonekwi angava Mufundisi, Headmaster, Elder
kana Co-ordinator. Chatinonyanyokumutsvagira inyaya yokuti hakuna munhu anonyangarika
ane zvombo zvevamwe. Vanhu verudzi urwu vose vasina kuuya paungano vanofanira
kubviswa potsvetwa vamwe panzvimbo dzavo. Ndivo vanhu vakanzi naZakaria torai nhumbi
dzomufudzi benzi ( Zakaria 11 vs. 15).
15.KANA MUKURU WETABHERA AKASHAIKWA PAUNGANO TOISA REPLACEMENT
Munhu anotungamirira tabhera haafaniri kuti ashaikwe paanodiwa kureva kuti tikadana
ungano anofanira kuwanikwa kwete kungouya koga asi kuuya nenguva. Saka kutanga ungano
ino vose vakuru vetabhera varovha ungano tinotsvaga replacement inofanobata nzvimbo
youHeadmaster kusvika iwe wanaka. Mukuru wetabhera chete waticharegererera ndiye
anenge anyora tsamba inouya kuno Jerusarema inoratidza kuti ndarovha Ungano
nechikonzero chakati. Chinotishamisa ndiko kuti iwe warovha asi une chitsvimbo chedu
ndihwo usvinu kureva kuti chitsvimbo chatakakupa chakafanana nebadza rine mupinyi waro
ratakakupa kuti undoshandisa zvino iwe wakanosvika ukabvisa mupinyi ukati uku badza
wogara zvakadero. Saka isu tokutorera basa redu kureva badza redu toripa munhu
anondoshandisa.
16. A HEADMASTER IS A HEAD TEACHER OR A SENIOR TEACHER
Headmaster ndiye teacher mukuru kureva kuti ndiwe mukuru wevadzizisi vose vari
patabhera pako. Saka tinenge tichida report kwauri inoratidza kuti vadzidzisi vari pasi pangu
vose vachiri kuita sezvinoda murairo (Mabasa 22 vs. 12) asi ava havachaiti sezvinoreva
murairo kureva kuti vakapiwa basa vakanogara uye kuungano havauyi, pano paungano
havatoripo. Isu kuno Jerusarema tisu tinozokupa vanhu kwavo. Saka isu tikazobata kuti
vadzidzisi vako havasi paungano iwe usina kutiudza totora chitsvimbo chako.
17.COORDINATOR ANOFANIRA KUGARA ACHIPINDA MUJERUSAREMA NEVANHU VAKE
NGUVA NENGUVA
MaCoordinators akawanda chose muno muGokwe asi hatisati taona coordinator anoita
sacoordinator anonzi Chirasha wekuMateta Centre anogara achiuyisa vanhu veCentre yake
muDefe kuzoita basa, kureva kuti vamwe vanofanira kunge vatove nezviJerusarema zvavo.
Dzidzai kugara muchishanyira Jerusarema kwete kungouya paUngano chete asi nguva dzose
nekuti zuva rimwe pavazhe dzaJehovha rinokunda ane chiru pakunaka (Mapisarema 84 vs.
10). Vamwe tikauya kuround up kwavo hativaoni asi tinotozoshamisika tikazoona vauya
kuungano sezvino kuti centre ine vanhu vakawanda kudero saka tendeukai.
18.ISHE AKABURUKA KUDENGA AKAZOVA MUNHU KUVANHU.
Kristu ndiye ishe wakaburuka kudenga kuzova munhu kuvanhu. Akauya pano pasi panofiwa
kureva kuti akasiya upenyu achiuya pano kuzofira vanhu, ikoko kudenga kwaakabva hakufiwi
asi iye akada kutifira. Kristu uyu ndiye Mwari pachake akaburuka kudenga. Saka muchiona
mamwe madzishe epano pasi asiyawo matare avo ane mari vachiuya kuno kuungano
yaKristu nekuti vanoziva kuti Kristu uyu ndiye ishe wemadzishe. Ndiye Ishe anotipa
madzimambo epano pasi kana ada ndiye anobvisa mambo waagadza kureva kuti zivai kuti
zvinhu zvedu zvose tinozvisiya kana tadanwa nemusiki chero mabusiness edu tosiya tichiuya
kuna Mwari. Asi chinoshamisa umwe mukuru wetabhera, mufundisi kana coordinator asina
kana chinhu asi atotadza kuuya kuungano madzishe asiya matare, masabhuku asiya matare
uye Kristu chaiye akaburuka kudenga achisiya upenyu. Kristu ndiye here watingati atidana
toti takabatika, ihwohwo ndihwo usvinu, tingabatika nechii chingatikonesa ungano, chinhu
chipiko chakakosha kupinda Kristu. Vamwewo maZion vanocelebrater kufa kwaKristu asi
vasingadi kutambura pamwe chete naye vanoda zvavo kupinda Zion zviri smart. Musaite
semumwe Mushangwe akazoti hapana chataifira, kureva maZion anoona sekuti hapana
chavanotamburira zvavo kupinda Zion.
19.DZIDZISANAI KUTI MUSAKARA KUDA KUNGODYA
Kana tiri mudzimba dzedu baba vanofanira kudzizisa mai, avawo mai vodzidzisa vana kuti
vasakara kungoda kudya. Zuva ranhasi regood Friday hatidyi tichirangarira kutambudziwa
kwashe wedu Jesu Kristu. Manheru echina hatina kuvata tichirangarira kutambudzwa kwashe
Jesu Kristu. Zvino musi wakaita sanhasi wemuziro ndipo paunoona vamwe mai kana baba
vachigwedebudza mapoto kutsvaga chekudya. Kana tichiuya kuungano ngatidzidzisane
kuchengetedza ma7 days, ekuzvinatsa nemutowo yose.
20.MUPARIDZI HAAFANIRI KUGARA PASI ASINA KUUDZA VANHU KUTI KUNE DENGA
NEGEHENA
Mazuvano meso aJehovha weZion akasvinurira kuti muZion wose avake Belvedere saka
tinofanira kuita serious neshoko iri. Asi chero tikataura zveBelvedere asi sunga yacho kuudza
vanhu kuti vasakanganwa kuti kune denga negehena. Meso evamwe maZion atarisa kupfuma
chero minamato yavo iri directed kupfuma, vamwe vanotozira ma30 days sandizvo asi
minamato yavo vachiisa kupfuma. Zvino unenge wanyanga yaona nekuti Mwari
akangozviziva chete kuti wakasvinurira pfuma yafa kwako. Saka musapedza kuparidza
musina kuudza vanhu nezvedenga negehena kuti denga riripo uye gehena ririko asi gehena
iri harina kugadzirirwa maZion asi rakagadzirirwa satani nevatumwa vake(Mateo 25 vs.41).
vatumwa vake kureva vaya vatakanzwa Mwari achiti ndinokupai vamwe vesynagogue
raSatani kuti munamate navo (Zvakazarurwa 3 vs.9). Team iyi unoiona patabhera nekupikisa
zvinobva Jerusarema kana kusauya kuungano, vanhu vakadai chero muchiita matare
munovaona nekusimudza zvioko vachipikisa vachida kuzama kureasoner nhema kuti
ndangoti nditaurewo ndava kunyarara hangu asi vachida kuuraya basa. Vanhu vakadai
maZion vanosungawo zvibheji patabhera imwe neimwe varipo asi vari veteam yasatani ndivo
vakagadzirirwa gehena.Zvino kana ndiri seni Nehemiah mutungamiriri wenyu muZion wose
wandinongoona ari kugehena ndinoita sendichamudana ndomukava bhutsu nekuti
tinokuudzai zvinoendesa kudenga saka hapana muZion anofanira kutsva. Zivai kuti vanhu vari
kudenga nevari kugehena vanoonana ende vachitokwanisa kutaurirana. Takazviona pana
Devas aiva kugehena achitokwanisa kukumbira Abrahama aive kudenga kuti atume Razaro
amupe donhwe remvura (Ruka 16 vs. 19 ). Vamwe vachabvunzwa nevavanoti vavengi vavo
pano pasi kureva vana Devas vavo kuti ko zvawaiita semutsvene wani, ko unobateyi kuno
nesu kugehena nekuti vanenge vachiita sevanhu kwavo izvo ivo vainenge ruvengo kana
usvinu.
21.DZIDZISAI MWEYA YENYU KUTI INE MUPONESI (Song)
Rwiyo rwunoti “mweya wangu une muponesi” kureva kuti mweya yedu ine muponesi kureva
Jesu Kristu. Saka dzidzisai mweya yenyu kuti isashuwa kana mauya pamberi paMwari, nekuti
umwe muZion anongoti kungosvika patabhera otonzwa mweya wake uchiti sunga chiso.
Vamwe vachibaira kuti vaite sungano naMwari nezvibairo iwe woregera. Vanhu vakadai
ndivo vana Kaini vanosunga zviso zvavo kana voda kubatiswa (Genesis 4 vs. 6). Unotofanira
kuti washuwireiko mweya wangu iwe wakavambirwa Zion (Mapisarema 42 vs. 11) Kana ari
saCain akatozonzi naMwari kana ukaita zvakanaka haungafari here pachiso chako. Kureva
kuti moyo wemunhu unofara kana watoita zvakanaka.Uye tinofanira kuziva kuti moyo unoita
semwana, unotonzi kana ukafunga zvisina kunaka wonzi tsveta izvi, kwete kungourega
uchichakatika.
22.UPENYU HWAKRISTU HWAIVE HWEMATAMBUDZIKO
Kristu haana kurarama upenyu huri smart asi i) Akazvarirwa muchidyiro chezvipfuwo (Ruka 2 vs. 7)
ii) Achiri mwana kudero akadzingirirwa nemuvengi wake Herode achida kumuuraya
(Mateo 2 vs. 13).
iii) Akapedza mission yake yose achifamba netsoka.
iv) Akasungwa
v) Akarohwa nekupfirwa mate
vi) Akaroverwa pamuchinjikwa.
Asi pane mashoko maviri aakataura ava pamuchinjikwa;
i.
Akati kumudzidzi waaida chengeta mai vako akazoti kuna mai vake mai chengetai
mwana (Johane 19 vs.26). (giving and supporting each other).
ii.
Akati kugororo riya rakagona kutaura zvakanaka, nhasi uno ndichava newe kuushe
hwekudenga (Ruka 23 vs.43)
Izvi zvinotiratidza kuti magift maviri imwe ndeyekuti tichengetane pano pasi kozouya
kupinda denga saka ngatisvunurirei kupinda denga. Tinofanira kuita saMoses akaramba
kugara mumba maPharaoh akati zviri nane nditambure pamwe nevanhu verudzi rwangu
vaIsraeri (VaHeberu 11 vs. 24 - 25)nekuti aiziva kuti achazowana rugare rusingaperi.
23.HAZVIBETSERI KUKWIRA NEMUNHU MUGOMO ASINGATEERERI, ASINA UTSVENE
UYE ASINGAZVININIPISI
MaElders mava kugona kukwira mugomo chose asi hazvibetseri kukwira mugomo nemunhu
i.
Asingateereri
ii.
Asina utsvene,kureva munhu asina kuita sungano naMwari nezvibairo,ndihwo
utsvene ihwohwo hunorehwa (Mapisarema 50 vs.5).
iii.
Asingazvininipisi
Hazvina zvazvinobatsira kukwira gomo nemunhu akadaro. Ndipo pamunozoona vanhu
vakadai vanozopedzisira vonyengana mugomo kana kuita zvimwe zvinopesana naMwari.
Nokuti vanhu vakadaro havanei nedenga, saka ndivo vachaenda kugehena.
24.AN ELDER IS AN IMPORTANT PERSON
Ikozvino murairo wave kuti tabhera imwe naimwe iite maelder maviri ematabhera anoti :
i)
Wemakomo
ii)
Newezvibatwa-anenge chishanda naheadmaster
Izvi zvose zvinoitwa nokuti munhu anonzi Elder munhu akakosha chose patabhera imwe
neimwe. Saka munofanira kutoona kuti patabhera imwe neimwe pane maElders maviri,
headmaster wetatu anenge achiisa mareports ezvose zvabatwa nemafambire ebasa raMwari
mutabhera yake achizviisa Jerusarema.
25.AN OBSTACLE AND A STUMBLING BLOCK
Mashoko maviri aya munofanira kumaziva mose kana muchibata basa raMwari. An obstacle ,
zvinoreva chinhu chakakuvharira kuti uone zviri mberi chakaita sedanda riri mberi. Kozouya a
stumbling block, chinhu chinenge chakaita sechitsiga chisina zvachokukura asi
chichikugumbura kana uchifamba. Zvino paZion, obstacle inoitwa nevadzidzisi vanovharira
vanhu ushe hwekumusoro (Mateo 23 vs. 13). Asi stumbling block anenge ari muZion ari pasi
asi achivhiringa basa raMwari nemashoko kana nemaitiro ake. Saka zvivhunze kuti uri papi.
26.UDZAI VANHU KUTI NDIMI MAKAVAMBIRWA ZION (Isaya 14 vs.32)
Udzai vanhu vose vari munyika kuti ndimi makavambirwa Zion uye kuti rakavambirwa
vanotambudzika vevanhu vake kuti vavande. Asi kana mavaudza vakaramba chisiyanai navo.
27.MAELDERS NDIMI MUNOVHURIRA VANHU DENGA KWETE KUVAVHARIRA( Mateo
23 vs. 13)
Joshua akanzi naMwari simba utsunge moyo nekuti uchapinza vanhu munyika yeKenani uye
uchavagarisa nhaka(Joshua 1 vs. 6). Chero nesu paZion tinavo vana Joshua kureva
i) MaElders anodzidzisa vanhu mharidzo inoita kuti vavhurirwe denga
ii) Vafundisi ndimivo mune vhangeri yokuti maZion vazarurirwe fuma, ndimi
munovadzidzisa shoko rokubaira kuitira kuti Mwari avavhurire mawindow okudenga
(Maraki 3 vs. 10).
28.MWARI WEDU UNE SIMBA NERUDO
Mwari wedu watinonamata une simba nerudo. Zvino amwe maZion ane simba asi ozoshaiwa
rudo, kozoitawo vamwe vane rudo asi vozoshaya simba. Vamwewo vane mhumhu kureva
kuti vane simba havana rudo. Isu simba raMwari takariona achifambisa magroups akawanda
kusanganisira
i.
Muranda waMwari
ii.
Vakomana vemabhosvo
iii.
Team yana Incharge
Kuenda kuEngland vamwe vachienda Canada asi takadzoka tose zvakanaka asi takaenda
nendege nekudzoka nendege dzakasiyana. Zvino shungu dzangu dziri pakuti mabhosvo
atakanoridza England tichienda kundomaridza kwaIsraeri.
29.ZIVAI KUTI HATIFI SEMHURI ASI UMWE NEUMWE UCHAENDA OGA NEZUVA RAKE
Kana mukomana nemusikana vachida kuroorana vane zvavanonyeperana vachiti musi
waunofa toenda tose, asi ndidzo nhema hapana munhu akazviwisira mugomba akafushirwa
pamwe neumwe wake. Izvi zvinoratidza kuti umwe neumwe anoenda oga kureva kuti hatifi
semhuri. Saka kana tichibatira Mwari tinofanira kuti imi baba vozvibatira, mai vozvibatira
ukuwo muchidzidzisa vana kuzvibatira. Mwana kana aine bhasikoro rawakamutengera
ngaadzidze kutaura nevabereki vake atengese bhasikoro obata murairo wake nekuti mumwe
neumwe anotongwa nezvaakabata (Zvakazarurwa 20 vs.12)
30.UNOUYA KUNA MWARI UNOFANIRA KUTENDA ZVINHU ZVIVIRI ZVINOTI IYE MWARI
URIKO UYE UNOPA MUBAIRO KUNE VANOMUTSVAGA (VaHeberu 11 vs.6)
MaZion zivai kuti hazvibviri kufadza Mwari pasina kutenda, zvino vanhu vangabvunza kuti
kutenda chii chacho? Zvino zivai kuti (VaHeberu 11 vs.6), inoti vanouya kuna Mwari
vanofanira kutenda zvinhu zviviri zvinoti
a. Iye Mwari ariko
b. Uye kuti anopa vanomutsvaga mubairo wavo, kana zvichinzi vanomutsvaga hazvirevi
vanhu vanonamata Mwari vachitsvaga pfuma. Izvi zvinotoda kunamata Mwari
uchitsvaga chiso chaMwari. Nekuti iye Mwari anoti kana vanhu vangu vakatumidzwa
nezita rangu vakazvininipisa vakatsvaga chiso changu ipapo ndiri kudenga ndichanzwa
kuchema kwavo ndichavaregerera nekunzwa kuchema kwavo (2 Makoronike 7 vs.14).
31.MWARI WEZION NDIYE WOGA UNOPIKIRWA MHIKO (Mapisarema 65 vs.1)
Pano paZion ndipo pane tsika yekupikira Mwari mhiko nekuti ndipo patakanzwa Mwari achiti
“ini Mwari ndinoda kupikirwa mhiko paZion” (Mapesarema 65 vs. 1). Zvino vamwe
unotonzwa vachiti ini nhaka( gore rino) handipiki, ukavabvunza kuti neyi , unonzwa vachiti ini
ndotya kurevera Mwari nhema kupika zvandisingabati. Vanhu vakadai kubva nhasi zivai kuti
ikoko kusatopika ndiko kunomutsamwisa nekuti ndiye unoida mhiko. Saka pikai mhiko
dzenyu dze20 July nekuti mhiko idzi ndidzo dzatakanzwa Mwari achiti bayirai Mwari zvipo
zvekuvonga muripire wekumusoro mhiko dzenyu mozodana kwandiri pazuva
rokutambudzika ndichakurwirai (Mapisarema 50 vs.14 -15). Kana zvichinzi zuva
rekutambudzika hazvirevi kutambudzika nekushaya munyu kana shuga mumba asi
kutambudzika chaiko kuchauya kana tafa. Bvunzai Devhasi anoiziva nhamo yaakaona ava
kugehena achishaya dohwe rimwe haro remvura ava kutsva mugehena (Ruka 16 vs.19).
32.FOUR CATEGORIES DZEVANHU VARI PAZION
Four categories dzevanhu vari paZion ndedzinoti
a. Vakatumwa – kureva munhu akapiwa message, duty, munhu ane mweya waMwari
kureva an insipired leader. Zivai kuti munofanira kutevera leader ane vision.saka
maZion tinofanira kusatevera kana munhu asiya zvinoda Mwari.
b. Vakadaniwa
c. Vakasharwa
d. Vakamutsirwa.
33.MWARI UNOTIPA VAFUDZI VANOTIFUDZA NEZIVO NENJERE (Jeremiah 3 vs.15)
Mwari unoti ndichakupai vafudzi vanokufudzai nezivo nenjere (Jeremiah 3 vs.15). Kana
mufudzi achinzi une zivo nenjere zvinoreva kuti –
i)
Zivo (knowledge) kuziva kuti ngana haapo, kana kuti haasati abata murairo wakati.
ii)
Njere – (wisdom) – ndiko kuona kuti zvaasipo totuma ani, tofona here, uye kana
asina kubata toita sei kuti abate, idzodzo ndidzo njere.
Mudzidzisi ane zivo nenjere anofanira kunge achiziva kuti 20 July iriko rini kana waziva date
nokuziva kuti chii chatinofanira kuenda takabata, chiisa njere dzokuti tobatisana sei.
34.MWARI UNODA KUBATIRWA NEMARI YABVA KWAARI KWETE NEDIRTY OR BLOOD
MONEY.
MaZion Mwari ndiye akatiudza kare zvaanoda uye zvinopfumisa zvose zviri muBible sekuti
i) Ndiedzeyi nezvegumi zvenyu muone ndikasakuzarurirai mahwindo ekudenga
ndikakupai pfuma yamuchashaya pokuisa (Maraki 3 vs.10)
ii) Tangai zveushe hwekumusoro zvimwe zvose zvamunoda zvichawedzerwa kwamuri
(Mateo 6 vs.33).
iii) Ipai nemi muchapiwawo uye vachakupai nechiero chakanaka chakatsikirwa nekuti
nechiero chaunoera nacho uchayererwawo nacho (Ruka 6 vs.38).
iv) Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nemufaro (2 Vakorinte 9 vs.6).
v) Nezvimwe zvizhinji zvaakati kana mukadai ini Mwari ndichakuitirai chakati saka imi
muite saizvozvo.
vi) Bayirai Mwari zvibairo zvekuvonga muripire wekumusoro-soro mhiko dzenyu kana
modana kwandiri nezuva rekutambudzika ndichakurwirai (Mapesarema 50 vs.14)
asi zivai kuti Mwari wedu haadi kuti umubatire nepfuma yeropa (blood money) kana mari
yekuba kana yekuita upfambi (dirty money). Chipi nechipi chaune chokwadi kuti wakapiwa
naMwari ipa Mwari sezvaakataura.
35.SHUNGU DZEMURANDA WAMWARI NDEDZEKUTI MAZION OSE AFUME
Muranda waMwari unoti shungu dzangu ndedzekuti maZion ose afume, vanoti chero
zvichiita sezvinononoka hatiori moyo tinoramba takangoshinga moyo tichiziva kuti
wakatipikira wakatendeka uye anopa vanomutsvaka mubairo wavo(Hebrews 11 vs 6).
KuMukute kwakamboita vamwe mai vakaporofita shoko rekuti zuva risati ravira mvura zhinji
inenge yanaya, zvino zuva rakachizoita serotoda kuvira mvura isati yanaya, mai ava
vakatanga kuchema vachiti Jehova andiratidza mvura ichinaya asi zuva rotovira isati yanaya
vakanzi nevanhu indai munorara Mwari uchaita kuda kwake, mvura ikazonaya. Saka
Muranda waMwari unoti ndava kunzwa mudumbu nenyaya yeropofadzo yemaZion, zuva
roita serovira vazhinji vasati varopofadzwa asi hatiori moyo. Jehovha haaropafadzi maZion
kana maprojects ake asati apera. Saka shungu dzemuranda waMwari ndedzekuti tose tifume
asi ngatitange zveushe hwekumusoro (Mateo 6 vs. 33).
36.DZIDZISAI VANHU KUDA DENGA NEKUTYA GEHENA.
Vadzidzisi dzidzisai vanhu kuda denga uye kuti vatye gehena, ndizvo zvinhu zvinofanira kuti
mudzidzisi une zivo nenjere agare achidzidzisa vanhu shoko iri. Kana washaiwa hako
zvekudzidzisa chigara uchingodzokorora shoko iroro. Vadzidzisei kuti kudenga kunoindwa
nevanhu vanobata mirairo yavo, vose vasingabati ndivo vakanzi imbudzi, ngadziende
kuruboshwe, uye varanda pasina ngavabudisirwe kunze kune kugedageda kwemeno (Mateo
25 vs. 30)
37.LOVE AND RESPECT
Madzimai munozviziva here kuti muri busy kuuraya dzimba dzenyu nokuda kwekuti muri
kusiya munhu wamakasangana naye musi uya musina mwana anonzi murume wenyu.
Madzimai mazhinji ava kusiya zvakataurwa naMwari zvokuti vade varume vavo vachinyanya
kuda vana vavo. Vanotoita basa rokupesanisa baba nevana vavo. Vanoda vana kudarika
mwana mukuru wedangwe anova murume wako. Hongu tinoziva kuti vana vanoda mukaka
asi zivai kuti tose tinoda mukaka. Baba chaivo vanodavo mukaka wezera ravo. Hatidi munhu
anoti kana umwe akati ndinoda mukaka iye oramba.
Unoramba wadyepi. Unojokoja meno wadya kupi. Idai varume venyu. Vapei nguva kana
vabva kubasa kuti mumboita nyaya navo muchiseka nokutamba mose. Varungu chaivo
chavakatsvakira nhenhi vaiitira kuti kana murume asvika nhenhi otora mwana vowana nguva
yakakwana nababa. Saka indai munotsvaira dzimba dzenyu kuti Jehovha agopindamo,
matsvairiro anorehwa ndeekuti indai munoisa order mudzimba dzenyu, order inorehwa
ndeyezvinhu zviviri zvinoti,
i. Rudo (Love), imi varume idai vakadzi venyu (VaEfeso 5 vs. 25).
ii. Kukudza(respect) imi vakadzi zviisei pasi pevarume venyu chaivo(VaEfeso 5 vs. 22)
Kuti Kristu apinde mudzimba dzenyu ingogonai shoko iri kuti kana murume achisvika pamba
mukadzi ati Ishe wangu asvika pamba pake, zvose zvepamba ipapo ndezvake kusanganisira
iwe mudzimai wake zvose ndezvake. Imivo varume idai vakadzi venyu, hakuna unofanira
kupfeka bhachi reumwe, umwe neumwe ngaapfeke bhachi rake.kana Jehovha akanzi huyai
muimba ino, unobvunza kuti muno order here, saka indai munotsvaira dzimba dzenyu kuti
Kristu apinde.
38.DON’T PROTECT A BAD IDEA.
Mudzimai umwe noumwe unofanira kuziva kuti kana uine mwana asinganzwi, kana
akabatwa achiita zvakashata, usamanyira kuti wangu mwana haadaro nokuti unozosvoda
kana chokwadi chabuda pachena. Mai vakagwara vanoti kana mwana wavo kana murume
chaiye akanzi waresva, havamununuriri, asi vanotofarira kuri adzidziswe. Kana ukaona
mukadzi ano protector mwana anoita zvakashata zivai kuti chero namai vacho ivavo
vakashatavo.
Shingairai madzimai kuti musarega zvinhu zvakashata zvichiitika mudzimba dzenyu, gonai
kuzvidzivira saAbigairi wakati aona kuti murume wake watadzira mambo, wakamanya
akangondodzivisa mambo nokuvaitira zvakanaka (1 Samuel 25 vs. 19). Asi kana mukaona
imba yaita seyaSamson naDerira zivai kuti hakuna chakanaka chinobudamo.
39.MADZIMAI MUSABATIKANA NOKUSAGONA KUNYORA NOKUTI KUNYORA HANDIKO
KUNOCHENGETA VANHU
Tinoziva chose kuti pakati penyu madzimai evadzidzisi, varipo vasingagoni kunyora zvokuti
kana vakauya kumatare vanenge vakabata mavoko. Moyo yenyu ngaisamanikidzika nokuti
kunyora nebilo handiko kunogonesa kuchengetedza vanhu vamunofudza. Umwe ishasha
yokunyora asi haagoni kubata vanhu zvakanaka zvokuti unotokundwa neuyo asingagoni
kunyora. Asi chakakosha kana musingagoni kunyora chiitai chirema chine mano, muwane
teacher kana umwe mudzimai unokusvitsai meso, kuti basa raMwari rifambe zvakanaka.
40.BASA RAMAI COORDINATOR
Kana mudzimai achinzi ndimai Coordinator, basa rake nderokutora shoko Jerusarema,
achindorisvitsa kunana mai Mufundisi nokuona kuti zvakarairwa neJerusarema vana mai
Mufundisi vari kuzviita here. Kana mukafambira nyika mukawana mai mufundisi vakavata,
basa renyu nderokutoita take over motobatisa mumene. Mai Mufundisivo kana vakapiwa
shoko naMai coordinator vanofanira kurisvitsa kunana mai Headmaster, vana mai
headmaster vosvitsa kumadzimai amwe evadzidzisi kusvika mutabhera dzomudzimba. Saka
basa ramai Mufundisi rinenge riri rokundoona kuti vana mai headmaster vasvitsa shoko
nomurairo mutabhera dzomudzimba here, kana vasina kuzviita imi pachenyu chitoitai basa
iroro.
41.KANA MAUYA KUUNGANO ITAI MATARE KUMISASA
Mai Coordinator umwe noumwe kana akasvika paUngano unofanira kugara achiita matare
kumisasa kana tabva patabhera achionesana nana mai Mufundisi pashoko nomurairo
zvamunenge manzwa, muchivhunzana kuti tondozvifambisa sei. Ndimi munofanira kukasira
kutiudza madzimai evadzidzisi ane pamuromo kuitira kuti vakasire kudzidziswa, zvose izvi
munozvionera kumisasa kwamunenge muri.
42.MUSATUNGAMIRIRA VANHU VAMUSINGAZIVI KUTI VANOUYA SEI KUUNGANO
KANA KUTI DARE ZVARADANWA VARIPO HERE
Basa ramai coordinator nderokuti kana masvika paUngano kana papfigamwedzi munofanira
kuona kuti madzimai evafundisi vake vose vasvika paUngano, kana vanenge vasina kusvika
ndimi munofanira kuvafonera muchivhunza kuti mavepi. Kana kukadanwa dare, ndimi
maCoordinator munofanira kuona kuti madzimai ose evafundisi venyu vose varipo padare,
kana mavashaiwa motovafonera muchivhunza kuti muripi, ndizvozvo namai mufundisi
vanofanira kuitavo saizvozvo kumadzimai emaHeadmaster avo. Mai headmaster vanenge
vachitsvakavo kuona kuti matreasurer avo ose auya here nemamwe madzimai evadzidzisi
vari patabhera pavo.
43.KUSHINGAIRIRA IMBA YAMWARI KWAKANDIPEDZA (Psalms 69 vs. 9)
Iyi verse inofanira kuzikanwa nomudzimai wose womudzidzisi yokuti kushingairira imba
yenyu kwakandipedza. Tinoda kuti mubate basa kusvikira mari dzemuphone dzapera. Mai
coordinator, mai Mufundisi naMai Headmaster vanofanira kugara phone dzavo dziine mari,
vachigara vachifonera madzimai evadzidzisi. Hatidi munhu anorevesa murairo wemari
yephone tinoda kuti mushandise mari dzenyu. Ndimizve munofanira kugara muchiuraira
madzimai evadzidzisi nevaenzi huku padzimba dzenyu kusvikira huku dzapera. Tinoda kuti
mudzidze kushingairira Mwari. Musatya muchifunga kuti munopera, iye David chaiye
wakataura shoko iri wakazofa aine fuma zhinji zvokuti chero Solomon mwana wake
wakatovaka tembere achishandisa ufumi hwaDavid, saka batirai Mwari nezvenyu (Ruka 8 vs.
3) kuti muropafadzwe.
44.ZIVISAI JERUSAREMA MADZIMAI OSE ANOROHWA NEVARUME MUDZIMBA
Ibasa renyu imi madzimai evadzidzisi kuti muzivise Jerusarema madzimai ose amunoona
achirohwa nevarume vavo mudzimba. Imi tinoziva kuti hamucharohwi asi tizivisei kana paine
vanorohwa nokuti muranda waMwari Samere wakati warova mukadzi warova musana
wangu, saka tine shungu kwazvo kuda kuziva varume vanorova musana womuranda
waMwari Samere.
45. KUMBIRAI KUNA MWARI KUTI USAVA MUKADZI ANOBA, ANONYEPA UYE
ANOKARA.
Kana ukaona wapiwa mukadzi anoba, anonyepa uye anokara ziva kuti warohwa neshamhu
huru. Saka nhai madzimai, zvakanakavo here kuti zvifo izvi zviwanikwe pana mai Coordinator,
mai Mufundisi kana mai Headmaster? Kana usingachadi kuti murume wako arambe ari
pabasa raMwari ingonyepa, iba uye kara, zvirokwazvo unobviswa zuva risati ravira. Kana
ukaona mukadzi anoba, anokara uye anonyepa chete ziva kuti atova nedegree rokuhura
nokuroya nokuti hakuna anoba kana kunyepa iye asingahuri. Zvino kereke yeZion iri kukura
madzimai zvose nokufuma saka mberi kwatava kuenda hakudi mudzimai womudzidzisi
unoba, unonyepa uye unokara nokuti kana kereke yakura uye yafuma, tichafamba munyika
dzenyu tichitsvaka vanotambura kuti tivabetsere as a Charity Organisation, saka hazvizobudi
kana mai mudzidzisi vatinenge tatuma kuti endai mundonyora vanhu vanotambura ivo
vachiba, vachinyepa uye vachikara. Munozoona vamwe vava busy kutora zvinhu zviya
zvaunganidzirwa varombo kana kundopa hama dzavo vachisiya hama dzakarehwa naKristu
kuti dzinonzi hama ndevava vatinonamata navo (Mateo 12 vs. 49 -50). Programme iyi inenge
iri yokunyengeterera maZion chete kwete venyika (Johane 17 vs. 9).
46.UNODEI KURARAMA UCHIITA ZVOKUPIWA KANA KUFUMISWA NAMWARI
Kana kereke yakura uye ikafumiswa tichafamba tichigovera vanhu zvikafu sezvinoita vana
Care international. Asi dambudziko ratichaita ndere vamwe maZion achawanikwa achidavo
kupiwa. Isu tinenge takananga varombo nechirikadzi saka kana iwe ukazvipfekera ipapo kana
kuisa hama yako nomusikanzwa ziva kuti munhu iyeye achafa achingomirira zvokupiwa chete
kwete kufumiswa. Zvino disadvantage yokumirira kupiwa ndeyokuti kereke inongopa chete
kana yazviwana kana pasinavo unenge uchingotambura.
Imi maZion munofanira kuziva kuti stage yatavari chero venyika vanotivhunduka, veCare
International chaivo vakaramba kukupai chikafu chinopiwa vamwe, vakandovhunzwa kuti
munovengerei maZion ivo vakati isu hatipi maZion nokuti vakatsvukira uye vane zvinhu
zvavo, isu chedu tinopa varombo vakatukwa naMwari. Saka musazvibatira pasi maZion.
47.KUBVA ZVATAKABATA SIPO NEMAFUTA HATINA KUZOTAMBURAZVE
MaZion munozviona here kuti shoko riya ra (2 Makoronike 31 vs. 10), rokuti kubva
zvatakaisa zvipo mumba maJehova takadya tikaguta tikasara nezvizhinji raiita serenhema asi
shoko riya rinoshanda chaiko. Izvi tazviona nhasi kumadzimai eruwadzano, ndiwo apupura
amene kuti kubva zvatakaita inozara chete nesipo hatina kuzomboshaiwa sipo mudzimba
dzedu, vamwevo vari kuti kubva zvatakaisa mafuta mumba maJehova hatina kuzombodya
murivo usina mafuta. Saka shoko iri nderazvokwadi ngatiritende.
48. A .E .I .O .U
Mavara okuti A E I O U hakuna munhu wakaenda kuchikoro asina kudzidza nezvawo. Saka
tinoda kuti nemaziviro amunoaita iwayo avezve maziviro atinoda kuti maCoordinator, mai
Mufundisi naMai Headmaster vazive madzimai ari munyika mavo. Tinoda kuti chero
ukavhunzwa padare udode kuti ndauya nana mai Mufundisi vakati nana mai Headmaster
vakati, varipo ndivana ngana, asi ndatovafonera.
Next time tinenge tichida kuziva kuti maCoordinator, mai Mufundisi naMai Headmasteri)
Makafambira nyika ngani
ii)
Makafambira tabhera ngani
iii)
Makafambira tabhera dzomudzimba ngani
iv)
Makaita ma –meetings mangani.
49.MUNOZVIZIVA HERE KUTI BASA RAKAPIWA VARUME VENYU NDIMI MAKANGA
MAONEKWA
Imi madzimai evadzidzisi munozviziva here kuti mabasa ane varume venyu vakaapiwa zvaita
sei? Izvo dare reJerusarema rakademwa nemi, kana ukaona uchinzi mai Coordinator kana
kuti mai Mufundisi na mai Headmaster, varume venyu ndivo vakaonekwa kuti vakakodzera
kuti vatungamirire vanhu vaMwari. Chimwe chakadema dare ndechenyu madzimai acho
ndimi makaonekwa kuti munogona kugamuchira vanhu zvakanaka. Asi musazvitora sechinhu
chidoko kuti makaswededzwa kuti mubate basa retaberinakeri yaJehova (Numeri 16 vs. 10).
Kubata kwenyu nemoyo yenyu mirefu ndiko kwakawanisa murume wenyu pokugara (Zvirevo
31 vs. 23).
50.KANA MUKANZI MUDZOKERE PAUJAYA KANA UMHANDARA UNGADA HERE
KUDZOKERANA NEMUKADZI KANA MURUME WAKO WAUNAYE?
Dai zvichinzi manzi mudzokere pausikana kana ujaya ndiani angada kudzokerana nemukadzi
kana murume waainaye parizvino. Vazhinji tikanzi tangai patsva hapana anoda kudzokerana
newake nekuti mumwe anenge achiti ndingadzokere here mujere riya. Saka kubva nhasi
shuvirai kudzokerana chero zvikanzi tangai patsva kureva kuti gadzirisanai nguva iripo nekuti
umwe neumwe anoziva zvinosemesa umwe wake, zvaasingadi asi uchiramba uchizviita saka
nguva ichipo yekuti umwe neumwe agadzirise.
51.MWARI ANOPA VADIKANWA VAKE ZVAVANODA VAVETE (Mapisarema 127 vs. 2)
Kana zvichinzi Mwari anopa vadikanwa vake zvavanoda vavete zvinoreva kuti Mwari
anozokupa ropafadzo yako usingafungi too much nezvepfuma kureva kuti wakanganwa
nezvefuma yepano pasi usina worry nezvazvo sezvaakaita pana Sarah naAbrahama vanga
vatovata vakanganwa kuti vachaita mwana Jehovha akazovapa mwana (Genesis 21 vs. 2).
Saka moyo yedu ngairege kumanikidzwa nekuda pfuma yepano pasi asi ngatifunge zvedenga.
52.JESU UNOTI ZVIRI NANE KUTI URASIKIRWE NEZISO KANA UMWE WEMUTEZO
WEMUVIRI WAKO PANE KUTI USHAYE DENGA
Jesu achidudzira shoko anoti zvirinane kuti urashikirwe neziso kana umwe wemutezo wako
pane kuti ukukonese kupinda murugare guri kudenga nekuda kweruchiva. Iye Kristu
takanzwa achiti ini ndonokugadzirirai pokugara kudenga kuti apo pandinenge ndiri imi
mugovapowo (Johane 14 vs. 2).
53.PAZION PANE ZHIRA (Isaya 2 vs. 3) NEMUGWAGWA WEUTSVENE( Isaya 35 vs. 8).
Hatifaniri kupinda Zion zvisina zhira nekuti takanzwa zvichinzi pano paZion ndipo pane zhira
nemurairo, vanhu vazhinji vachamhanyira kugomo reimba yaJehovha vachiti handei tinotora
zhira nemurairo nekuti murairo uchabva Zion shoko raMwari Jerusarema (Isaya 2 vs. 3).
Pano paZion ndipo pane mugwagwa weutsvene unoti uyo ane tsvina haangafambi mauri
(Isaya 35 vs. 8). Saka imi vadzidzisi dzidzisai vanhu zhira
I.
yokuenda Jerusarema
II.
yokuenda kudenga
III. Yokupora
IV. Yokurarama uye yekufuma kureva zvinofumisa.
54.RANGARIRA PAWAKAWA UGOMUKA, UTENDEUKE (Zvakazarurwa 2 vs. 5)
Muna Zvakazarurwa mune mwadhi zhinji dzakanyorerwa kumarudzi akasiyana saka imwe
mwadi yakanyorerwa kune vakanga vakawa vakanzi imi chirangarirai pamakawa
musadzokera kumabasa akashata. Saka chero nesu maZion umwe neumwe ane paakawa
saka chakakosha hakusi kuramba wakawa kana kuwa uchimuka wodzokororazve kureva kuti
wozowa futi, asi kana wakawa tendeuka usadzokere pamabasa ako akashata. Usadzokera
pazhira yawakawa nayo.Saka nhasi endai mundodura pose pamakanga makawa napo
vazhinji takawa pakurangarira pfuma yepano pasi tisina hanya nekuenda kudenga saka
chidurai mutendeuke mukare kuenda kudenga.
55.VAKADZI HAVANA KUSIKWA VAINE MOYO WOKUDA VARUME VAVIRI (Mateo 6 vs.
24, Ruka 16 vs. 13).
Mwari wakaitira chiororo kumadzimai chokuti vakasikwa vasingagoni kuda varume vaviri
panguva imwe chete. Kana mukadzi akada murume wepazhe zivai kuti iwe wemumba
uchaona nhamo nokutukwa. Havagoni kuda vanhu vaviri munguva imwe chete. Saka vakadzi
zivai kuti murume wako ndiTenzi wako. Saka kuda kwemukadzi kunofanira kuva kwatenzi
wake kureva murume wako. Isu varume tisu tinogona kuita barika tichida vakadzi vose asi
mukadzi ukatamba uchidero uchavenga umwe uchida umwe ndipo paunoona umwe ava
kuvenga murume wemumba izvo anamatira pamurume wake wekunze. Shoko rinoti hakuna
munhu ungabatira vatenzi vaviri nekuti unoda umwe achivenga umwe (Mateo 6 vs. 24).
Hatidi vakadzi vanokonesa varume vavo kuita basa raMwari nekuti vanenge vakonewa
kuvapa rudo rwavo rwakakwana. Isu varume venyu takavarambidza kuwana mamwe
madzimai saka musatora that advantage moita zvamunoda nekuti haticharohwi kana
kuwanirwa. Ende hatisununguri varume venyu kuti vawane uye angoita musikanzwa
akawana tinotora chitsvimbo chedu nekuti hatichadi kuti vawane asi kana pazoita serious
case yekuti murume auya padare akati mukadzi wangu anetsa. Kana padai todana mukadzi
todzidzisa kana mukadzi azoramba kutendeuka chinenge chasara kugara pasi nemaElders
angu totenderana kuti uwane umwe kana tatenderana wochiwana zvine tendero
yeJerusarema.
56.ANI NANI UNOBAIRA ZVIBAIRO ZVEKUVONGA UNONDIKUDZA (Mapesarema 50 vs.
23)
Ko chinonzi kukudza Mwari chii uye kuita sei? Madzishe edu atakapiwa naMwari
tinomakudza nemhururu nemuridzo zvino Mwari wedu haadi izvozvo, asi Mwari unoti “ ani
ani unondikudza ndiye anobaira zvibairo zvekuvonga” (Mapesarema 50 vs. 23). Zvino vamwe
vanoswera mugomo vakazira pasina chabatwa vachiti vari kukudza Mwari kusaziva kuti
kutambisa nguva, Mwari wedu haakudzwi naizvozvo asi nezvibairo zvokuvonga. Asi kana
wabaira chienda kugomo kwete kugumira kubaira nekuti zvinenge zvisina kukwana.
57.TINODA MAELDER ANOKADZA VANHU KUENDA KUDENGA SA ELDER NYAMA
Chinangwa chedu chikuru pano paZion ndechekuindisa vanhu kudenga, asi tichangozvigona
chete kana tiine maelders anogona uye anogara achikadza vanhu kuinda kudenga.Tingawana
vanganiko vakaita saElder VaNyama, vakasimbisa vakomana veband vaiinda kuLondon kuti
vasavhunduka ndege nekuti ndege hachisi chinhu pane denga ratichapinda tose, musi
wamunosvika kumusoro kudenga nekuti ikoko muchaona zvisina kumboonekwa nameso uye
zvamusina kumbodya.Kunyangwe pavakasvika paPalace yaQueen wekuEngland Elder
vaNyama vakashamiswa nevanhu vazhinji vanoshanya vachindoona Queen, Elder
vakasimbisa vakomana veband vavaiva navo vachiti, “ko zvino vanhu zvavari kufarira
mambokadzi uyu, ko musi unouya Kristu nehondo yokudenga nana Samere Moyo vanhu
vachati kudii, nokuti ushe hwose hwenyika huchava pasi, tichatonga marudzi musi unouya
Kristu. Zvino kana ukaona Elder achidzidzisa vana sezvizvi unofara uchiziva kuti vana vafamba
nomunhu mukuru. Tinawo maElders mazhinji pano atinototyira kuti aswere nevana, nekuti
kana vakaswera kana kufamba nevana vanenge vachingovafurira mashoko anonhuwa, chero
vakakwira nevana mugomo, vana ivavo vanodzoka zvava zvigeven’a, vasingachabati murairo.
Saka garai muchikadza vanhu kuinda kudenga. Kana ari Kristu anototi, ndainda
kundokugadzirirai pekugara kuti tose tigova paanenge ari, zvichireva kuti Kristu haadi
kurashikirwa chero nemunhu umwe chete.
58.PAZION PANE ZHIRA (Isaya 2 vs. 3),NEMUGWAGWA WEUTSVENE(Isaya 35 vs. 8)
Munozviziva here kuti kereke yeZion ikereke ine zhira, iyo yakanzi naIsaya marudzi ose achati
hendeiko kuimba yaJacob tindotora murairo(Isaya 2 vs. 3) nemigwagwa, uyo unonzi
mugwagwa weutsvene zvekuti une tsvina haangafambi mauri(Isaya 35 vs. 8). Saka kana uri
elder, mufundisi, coordinator nemudzidzisi wese, we expect you kuti uratidze vanhu zhira
 Yekupora
 Yekufuma
 Yekurarama
Saka endai mundodzidzisa vanhu kuti zhira dzose idzi dzinowanikwa pano paZion.
59.MUKADZI MUTADZI UNOKANGANWIRWA ZVIVI ZVAKE NEKUDA KWEKUBAIRA
CHIZORO (Ruka 7 vs. 47)
Kristu akanyatsotidzidzisa kuti kubata chaiko kunoita kuti tikanganwirwe zvivi zvedu, nekuti
mukadzi uyu chaakafunga anzwa kuti Kristu auya muguta, zvivi zvake kuti zvingakanganwirwe
sei. Iye akaziva kuti akainda nechibairo zvimwe angakanganwirwe. Zvino vamwe vanouya
paungano vasina kubata chero Gadziriro kana Kota chaiyo, asi unoona munhu achitoda
kundopinda muchirairo akadero asi iye achida kukanganwirwa. Zvino Pauro unoti ani nani
unodya muviri nekunwa ropa rashe Jesu Kristu asinganyatsokuzvinzwisisa unozvidyira
kurohwa pane kuti akanganwirwe. Saka kana potaurwa nyaya yekubaira umwe neumwe
ngaafunge paanoda kukanganwirwa, uzive kuti Mwari haangokukanganwirwi usina
chawaita.There is a price for every sin that you have committed and the ultimate price you
will pay for it if you are not forgiven is death and hell.
60.JESU ANOTI KANA MUCHINDIDA CHENGETAI MIRAIRO YANGU (Johane 15 vs. 7)
Chinonzi kuda Jesu hakusi kuswera muchiita slogan yekuti ‘i love you Jesus’ sezvinoita vanhu
vazhinji nekuti havazi vose vanoti ishe ishe vachapinda muushe hwekudenga(Mateo 7 vs.
21). Asi kuti kunonzi kuda Kristu kuchengeta mirairo yake. Kureva kuti munoita
sezvamunoudzwa, nekufamba nezhira dzamunenge manzi mufambe nadzo. Umwe murairo
wacho ndewekuti dananai(Johane 13 vs. 34).
61.PREPARE YOURSELF KUPINDA DENGA
Munozviziva here kuti munhu wese ane right yekupinda denga, nekuti ndizvo zvakafira Jesu
Kristu (Johane 17 vs. 24), asi chinodiwa ndechekuti you have to prepare yourself, in order for
you to qualify kupinda mudenga.Chero ropafadzo, is also our right (VaGaratia 3 vs. 29, Deute
8 vs 18b), asi haungoropafadzwi usina chaunoita but you have to go for ropafadzo dzacho
nekudzishandira uye by positioning yourself in the right position. Saka achiti kana tiri pano
paZion tinofanira kumupikira mhiko (Mapisarema 65 vs. 1).
62.MUNE NHAMO IMI VANYORI NEVAFARISE NEKUTI MUNOVHARIRA USHE
HWEKUDENGA (MATEO 23 13)
Kana Kristu achiti vanyori nevaFarise anoreva munhu wese akazodzwa,ndimi mugere
pazvigaro zvaMoses asi munovharira vanhu ushe hwekumusoro nekuti imi munoziva kuti
hamupindi muushe ihwohwo(Mateo 23 vs. 13). Chinonzi kuvharira vanhu ushe
hwekumusoro kuti munhu anosiya zvose zvinodzidziswa nemuporofita zvinopinzisa vanhu
mudenga uye zvinofumisa iye oti sika sika nezvakewo.Hapana munhu asingazivi formullar
yekufuma yatakapiwa naKristu, yekuti tinofanira kutanga zveushe hwekumusoro (Mateo 6
vs. 33), uye kuti uyo unopa Mwari naiye uchapiwawo (Ruka 6 vs. 38).Uye kuti hakuna
munhu asingabati anoinda kudenga (Mateo 25 vs. 30). Saka ukaona uri mudzidzisi anogara
patabera pake pasina dzidziso idzi, chiziva kuti ndiwe uri kuvharira vanhu ushe
hwekumusoro.
63.ZVINHU ZVITATU ZVAMUNOFANIRA KUNDOPARIDZA
Endai mundoparidza pamusoro pezvinhu zvitatu izvi
i) Zita renyu ngarikudzwe
ii) Ushe hwenyu ngauuye
iii) Kuda kwenyu ngakuitwe (Mateo 6 vs. 9) kureva kuti kuda kweJerusarema kuitike
munyika menyu.
Saka musanoparidza pamusoro pemazita enyu asi pamusoro pezita raJehovha kuti rikure.
Musaite vana ndebvu dzomujinga asi kudzai zita raJehovha.
64.VADZIDZISI MUSAVHARIRA VANHU USHE HWEKUMUSORO (Mateo23 vs.1), PFUMA
UYE RUGARE .
Vadzidzisi vatinavo paZion vakaita sezvinoita vashandi vanosevenza kuTriangle kushuga
vamwe vanovhurira mvura kuti idiridze muminda yenzimbe vamwewo vanovhara mvura.
Saka vadzidzisi ivai vavhuriri vevanhu, vavhurirei
i) Ushe hwekumusoro (denga)
ii) Pfuma
iii) Rugare, izvi zvinofanira kuvhurirwa maZion kana iri pfuma nerugare zvipinde
mudzimba dzavo uye vawane denga.
Zvino kana mudzidzisi akasagona kuvhurira vanhu zvinhu izvi anova muvhariri wevanhu
kureva anovharira vanhu
i.
Ushe hwekumusoro sezvaiita vanyori nevafarise vaivharira vanhu ushe
hwekumusoro (obstacles ) nekuti ivo vaiziva kuti ivo vomene havapindi (Mateo
23 vs. 1)
ii.
Anovavharira pfuma nekuti ukangovharira munhu denga unenge watomuvharira
kuti afume.
iii.
Rugare.
Saka vadzidzisi musaite usvinu sevamwe vanhu vanofukura jira iko kuine chando vachivhurira
mhepo inotonhora kuti ipinde. Saka musamire mberi kwevanhu muri maobstacles asi garai
pasi kuti vari kumashure vaone kureva kuti kana uri mberi chigona kuzvininipisa vari
kumashure vaone ushe hwekudenga uye vahuwane. Varege kuita saGehazi akanzi
uchazviona asi haungazvidyi (2 Madzimambo 7 vs. 2), saka hatidi kuti vadzidzisi muvharire
vanhu ushe hwekumusoro kana fuma kana rugare kureva kuti vanongozvihwa uye
vachizviona kune vamwe asi ivo vomene vasingazvidyi.
65.USAPINDA ZION WITH AN IDLE MIND, IDLE HANDS AND IDLE KNEES
Shoko rechirungu rekuti idle rinoreva munhu watingati simbe anongogara asina zvaanoita.
Zvino Mwari weZion anovenga vanhu vane idle knees kureva munhu asingafugami nemabvi
nemagokora achinamata Mwari nekuti kana tirisu maZion tisu tichine practice huru
yekushandisa mabvi kureva kuti mabvi ane best performance ndeemuZion. Vana kare
vaidzidziswa kupfunya chisero asi ikozvino nekuda kwetsika dzamazuvano hakuchina kureva
kuti zvasarira kunesu maZion tichipfugamira Mwari. MuZion ane idle mind haaravi shoko
raMwari ane pfungwa dzisingashandiswi dzakangogarirwa. Zvino chirungu chinoti an idle
mind is devil’s workshop. Uye maZion hatifaniri kuva nemaidle hands maoko asingashandi,
maoko asingagoni kupa Mwari nekuti unengewo usina ropafadzo.
66.OUR GOD CAN ONLY BLESS SOMEONE WHO BLESS HIM (Genesis 12 vs. 1)
To bless is to give saka ukaona uri muZion asingagoni kutambanudza ruoko rwako uchipa
Mwari unenge usingagoni kuropafadza Mwari. Vamwe vangabvunza kuti ko ini
ndingaropafadzawo Mwari here. Hongu kupa Mwari ndiko kutomuropafadza kwacho kureva
kuti pose paunobata unenge uchitoropafadza Mwari, ikoko ndiko kuropafadza Zion. MaZion
zivai kuti hamupfumi kana Zion risati rapfuma saka vose vanoda kuropafadzwa tangai
zvoushe hwekumusoro (Mateo 6 vs.33) , vose vanoona sekuti vave nezvinhu vanozvinyepera
hatisati tapfuma, uye hapana ati aona zvaakagadzirirwa naMwari, nekuti izvo zvisina
kuonekwa neziso kana kunzwikwa nenzeve dzenyu ndizvo zvakagadzirwa naMwari kune avo
vanomuda (1 Vakorinte 2 vs.9). Uye you can’t be taller than Zion kureva kuti haupfumi
kudarika Zion. Saka chizivai kuti Zion rava pedo nekuita donor saka vose vanoropafadza Zion
nguva yokuropafadzwa kwavo yosvika. Shoko rekuropafadza Mwari takarinzwa naMwari
achiti iwe Abrahama ndicharopafadza avo vanokuropafadza uye ndichatuka avo vanokutuka
(Genesis 12 vs.3). Izvi zvinongodudzira kuti kana uchikumbira kuropafadzwa naMwari iwe
tanga wagona kumupa. Ukapa waropafadza, zvino mubvunzo wedu unoti ko
wakamboropafadza here kureva kuti wakambopawo here? Kupa kwatinoreva kupa Mwari
kana kupa mumwewo munhu nekuti kazhinji ukapa munhu anoti “ God bless you” nekuti iwe
unenge wamuropafadza saka unenge wobvira kuti iwe uchiropafadzwawo.
67.ABRAHAMA NDICHAKUROPAFADZA KUTI UGOROPAFADZA VAMWE UYE
NDICHAROPAFADZA AVO VANOKUROPAFADZA (Genesis 12 vs.3)
Abrahama akanzi naMwari iwe ndichakuropafadza kuti iwe ugoropafadza vamwe uye nyika
yose icharopafadzwa kubudikidza nemauri (Genesis 12 vs. 3). Kureva kuti haugoni
kuropafadzwa nemunhu asina kuropafadzwa uye chero ukazodzwa nemunhu asina kuzodzwa
unozodzwa tsvina. Mazuva iwayo nyika yose yairopafadzwa kubudikidza nemuna Abrahama
asi airopafadza apa haasi Abrahama asi Mwari. Izvozvi nyika yoropafadzwa kubudikidza
naMwari weZion asi Mwari uchatanga kuropafadza maZion ake (Johane 17 vs.9), kana
taringana then tozobuda kunze kunoropafadza vanhu vari munyika vasiri maZion kureva kuti
Zion rava pedo nekuita donor. Saka tinoda kuti maZion aropafadzwe kubudikidza nemamuri
vadzidzisi. Ko maZion seyi tichiita setisingazivi kuti kana tikaropafadza Abrahama
ticharopafadzwa nekuti Mwari mbune anoti ndicharopafadza avo vanokuropafadza kureva
kuti Abrahama ndiye Muranda waMwari watinaye saka sei muchiita semusingazivi kuti kune
birth day rake, saka pabirth day rake tinofanira kumupa zvipo asi tichiziva kuti chinhu chikuru
chakakosha kuropafadza Zion, nekuti ukaita seusingazivi kuti Zion rinoda kuropafadzwa
Mwari achakutsausa wokubata kumeso (Danieri 11 vs.32) . Anenge apa Zion Mwari
uchamuropafadza nekuti Zion is God’s Kingdom.
68. DOUBLE DOUBLE YAKATANGA NADAVID (2 Samueri 6 vs.18)
Shoko redouble double ratava kuita nhasi maZion rakatanga kare naDavid paya paaiti
akafamba nhambwe nhanhatu otamba obaira mhou nemhuru yayo. Ndiyowo tsika yatava
kuita pano paZion kuti tichipa Mwari asi tiine mufaro kwete kuita sevamwe vanoita double double vasina mufaro. Kupa Mwari imwe mirairo yose ndiyo yatinoti obedience. Asi kana
toita double double kunenge kwava kuropafadza Mwari nekuti unenge woita farikanyai
pamusoro pezvakatemwa nekutongwa.
69.ALL CIVIL SERVANT MUST FILL CURRENT SSB FORMS
Macivil servants ose kureva vashandi vehurumende vanotambira mari yavo through banks
vanofanira kufiller maSSB forms, vamwe vakafiller kare zvekuti vachiri kubatirwa asi mari
yakawedzerwa saka unenge wobira mari Mwari pachegumi chako(Maraki 3 vs. 8) saka
gadzirisa nekuti maSSB FORMS tava kumapa macoordinators kuti zvikuitirei nyore
kumawana.
70.VADZIDZISI MAKATUMWA KUNOBVISA KUSADA MWARI KURI MUMAZION (Varoma
11 vs. 26)
Vadzidzisi ndimi makatumwa kuti mundobvisa kusada Mwari kuri mune mamwe maZion
amunotungamirira, takakutumai kuti mundoparidza vhangeri kuvanhu vasingadi (preaching
the gospel to the unwilling people). Zvino umwe anogona kutoita coordinator kana Minister
asina zvake utsotsi pabasa raMwari akapata unomuona nekubata basa raMwari asina hanya,
zvino shoko rinoti ngaatukwe uyo anobata basa raMwari asina hanya naro (Jeremiah 48 vs.
10).
71.ZION IS THE KINGDOM OF GOD (USHE HWAMWARI)
Zion ushe hwaMwari, zvino zvahuri ushe hwaMwari tinofanira kunamata sezvinoda Mwari
wacho.Kingdom is the opposite of democracy, zvino pano paZion we don’t use democracy, we
have to agree with:
a) the vision
b) direction
c) time table
d) destination yaMwari
isu chedu tinofanira kungotevedzera zvinodiwa nemuporofita waMwari, nekuti zhira
yakafambiwa naMoses ndiyo nzira yakafambiwa na Samere, ndiyozve nzira iri kufambiwa na
Nehemia, so you have to agree naMwari wacho kana waramba chizvitsvakira Mwari
waunoda kushumira(Joshua 24 vs. 15), paZion ndipo pachasara shoko nemurairo(Isaya 2 vs.
3).
72.MUSATEVERA MURANDA WAMWARI MUSINGATEVERI VISION
Kune vamwe vanhu vanoti tinotevera Nehemia asi vasingadi kutevera vision yaMwari
inobuda nemumuromo memuporofita.Nehemia got the vision and he walks the vision.
Danger huru yatingatozoita pano paZion ndeyekuti vamwe vatinobata navo basa raMwari
vokaruka voda kutevera dzimwe nzira iye ari mutungamiriri, izvozvo zvinoratidza kuti hausi
an inspired leader.
73.ZITA REKUTI ZION RAKAKOSHA.
Zita rekuti Zion chete rinofanira kuti vanhu vane kutenda kushoma vatende nekuda kwezita
iroro chete. Zita rekuti Zion izita rakaitwa zvekurotwa neMuranda waMwari Samere
paBhombara vari parwendo rwavo rwekuenda Joni, vakavata hope ipapo vakarora mutumwa
uya wakavashanyira paHakireni achiuya kuhope dzavo akabata chi card chakanzi ZION.
panguva iyoyo kwanga kusati kwava ne bhaibheri kana mapepanhau ekuti vaigona kunge
pane pavakaona zita iroro asi izita rakabva kuna Mwari mbune. Saka tichiti Zion izita raMwari
(2 Makoronike 7 vs. 14, Jeremia 8 vs. 19), saka tichiti kana tichipinda Zion takatumidzwa
nezita raJehovha, tinofanira kugona kutanga zveushe hwekumusoro.
74.EQUATION TO PROSPERITY (Zvirevo 8 vs. 17)
Vose vanoda kuropafadzwa naJehovha weZion musaresva formula yekuropafadzwa nayo
kana kurashika zvekutsvaka nematsvakiro acho. Jehovha unoti ndinoda vanondida,
vanonditsvaka nemoyo wese vachandiwana, fuma nekukudzwa zvineni(Zvirevo 8 vs. 17),
saka vose vanoda fuma nekukudzwa regai kutsvaka izvozvo asi tsvakai chiso chaJehova, kana
machiwana zvimwe matowana fuma nekukudzwa. Chiso chaJehovha chinowanikwa:
i) PaChitatu
ii) Chishanu
iii) Svondo
iv) Ungano
v) Mushoko rake
vi) Pamirairo yake yaakatema akatonga,ndizvo zvaakati kana muchindida muchachengeta
mirairo yangu(Johane 14 vs. 15)kana ukawana fuma isina Jehovha fuma iyoyo
ichakuuraya.Chero kuvaka chaiko kana ukavaka usina Mwari unovaka
pasina(Mapisarema 127 vs. 1). Chero ukava ne factory yakakura sei asi isina possion
yaMwari, 10% yake hapana chaunofira. Possion yaMwari yacho inodiwa naMwari
inongova dokodoko, pazvinhu 10 iye unongoda 1 chete, zvinhu 100 anongoda 10
chete. Kana pafuma yako wakambowana mirwi asi mirwi yacho usingachaioni iwe
chingotsvaka pawakawa umuke udzokere pamabasa ako ekutanga(Zaruro 2 vs. 3).
Saka indai munotsvaka Jehovha nemeso matsvuku.
75.ZION IS A STEPING STONE TO:
a) Heaven
Zion is a steping stone to Heaven,donzvo redu kana chinangwa chedu tichipinda Zion kana
kunamata Mwari weZion ndechekuenda kudenga saka pose patinodzingirirana
nemaropofadzo, don’t loose the sight of keeping the main thing the main thing(Mateo 6 vs.
33)kana mangodaro chete muchawana zvinhu zvizhinji chaizvo, ndizvo zvakanzi zvimwe
zvose zvichawedzerwa kwamuri.(Mateo 6 vs. 33)shoko rekuti zvimwe zvose rinoreva kuti
they are plenty,uye zvisati zvamboonekwa(1 Vakorinte 2 vs. 9).
b) Fuma
Zion is a steping stone to fuma, vose vanoda kuropafadzwa ngavauye paZion vagotevedzera
zvinodiwa ipapo naJehovha wedu, uye kutanga zveushe hwekumusoro.
c) Ruponeso
Jehovha achivamba Zion akarivamba ane chinangwa chikuru chekuponesa vanhu
vanotambudzika(Isaya 14 vs. 32)saka tichiti Zion is a little Heaven. Mwari akaona vanhu
vachitambudzika akati regai ndichivambira vanhu ava bako rekuvanda.
76.CHITATU CHAFUVA KANA SVONDO YAFUVA INENGE YAKAMIRA SEI?
Chitatu chinonzi chafuva kana svondo yafuva isvondo kana chitatu chapera pasina
kumbotaurwa shoko rekuti kune denga negehena. Kana mudzidzisi akati ngativhare basa
pasati pataurwa shoko iroro, iyeye mudzidzisi ati tivhare basa ndiye uchadavira shoko iroro.
77.KUSABATA HAKUPINZI DENGA ASI KUNOPINZA GEHENA (Mateo 25 vs. 37)
Shoko rekusabata iro pacharo rinondopisisa kudenga, takazviona pana jaya mufumi richinzi
naKristu tengesa zvauinazvo upe zvipo, iro rikaramba, rikanzi kana waramba iyi nyaya
yekubata zvingatorerukira ngamera kuti ipinde nepaburi retsono pakuti munhu asingabati
apinde denga(Mateo 19 vs. 23). Vamwevo ndivo vakanzi idzi imbudzi dzinongochema chema
kana totaura zvemirairo dzikanzi dziisei kuruboshwe kureva kugehena.(Mateo 25 vs. 33),
vamwevo vakakoniwa kugadzirira mafuta pakurindira kuuya kwechikomba vakazopererwa
nemafuta vakazonzi vashanu mapenzi(Mateo 25 vs. 8), vamwevo vakanzi varanda pasina
nechikonzero chekungoti handina kana pachirehwa murairo(Mateo 25 vs. 30), saka we are
100% sure kuti vanhu vasingapindi denga vanhu vasingabati mirairo, vanohura nevanoba
nevose vanoita zvakaipa hatina kuona pazvakanyorwa kuti havapindi denga asi zvinhu
zvinotobvunzwa kuti vaizvichengetedza here, takazviona zvichibvunzwa Jaya mufumi
naKristu achiti mirairo yose ndakaichengeta kubva paudoko hwangu(Mateo 18 vs. 18-20).
78. WHO DECORATES YOUR HEART?
Mazuvano pano paZion tiri kunakirwa nemadzimai anoti kana tichiita ungano vanoita décor
panzvimbo dzatinonamatira kuti panake. Vanhu vakadaro tinoda kuvatenda zvikuru. Asi
chatinoda kuvhunza kwavari ndechokuti ne- decoration yavanoita iyi, ko moyo yavo neyenyu
imi maZion ndiani ari kuita décor? Isu tinoziva kuti kunongova nevanhu vaviri chete
vanotenderwa kuita décor pamoyo pemunhu vanoti Mwari nasatani. Saka umwe noumwe
ngaazvivhunze kuti ndianiko unoita décor pamoyo pangu. Kana ukaona pamoyo pako paine
shoko rokuda ukuru, uchigara uchidemba kuti ndingaita sei kuti ndivevo mufundisi zivai kuti
diabros ndiye ari kuita décor pamoyo wako, kureva kuti unenge uine ndangariro dza- house
girl dzokuti unoti kana muridzi weimba abuda anosara akagara pasofa achimwa tea
achidemba kuti deno imba ino, mwana uyu nemurume wepano zviri zvangu.
79.MHIKO HAISI TIP KANA MBASERA RINOPIWA MUNHU AKUITIRA BASA
Kana tichipika mhiko pana Mwari ngatizive, mhiko inofanira kukura kuti kana woibvisa uite
zvokuiripira (Psalms 50 vs. 14). Haifaniri kunge iri doko nokuti Mwari unozoona sewamupa
tip, kana mbasera. Mhiko inofanira kukurwadza, zvokuti mabatiro acho anotoda kuti uite
zvokuiripa.
80.MIVHUNZO YATINOFANIRA KUVHUNZANA MAZUVAANO
MuZion umwe noumwe anofanira kuvhunza muZion umwe noumwe waanotaura naye
pangava pa-Phone, Facebook or WhatsApp kutii)
Waiva paGkowe centre here
ii)
Wakapika mhiko here
iii)
Wakabata here
iv)
Belvedere wakapedza here
v)
Wagadzirira mari yeBus reDefe here.
81.KANA UCHINZI URI MUPOROFITA WAKASIMBISWA UNOFANIRA KUNGE
WAMBOSVIKA PACHEGUTU
Kana muporofita achinzi wakasimbiswa kuti abate basa raMwari unofanira kunge ambosvika
paUngano yepaChegutu. Saka ibasa renyu vadzidzisi kuti mundokokera vose vakagamuchira
mweya mutsvene nevose vagara vachirira kuti vauye paUngano yepaChegutu kuti
vandosimbiswa ipapo.
82.PA –MARCHING YOSE CHENJERAI KUMIRA PAMA –UGLY POSITIONS
MaZion chenjerai kwanikwa makamira panzvimbo dzinoti kana Mwari achiona anoti nzvimbo
idzi dziri ugly. Ungano huru dzakaita seEaster ne 20 July tinosongana nevanhu vasingadi
kundomira panzvimbo dzavo dzenyika dzavo. PaMbungo tine street yekwaMai Mapfumo
inodzira kunotengesera vanhu kunenge kuine ma-tent. Nzvimbo iyoyo unoiwana yakazara
vanhu, kuDefe tine nzvimbo yokuRank, nzvimbo idzodzo unowana dzakazara vanhu izvo
chinoita kuti dzizare vanhu ndechokuti ndipo panenge pakamira matsotsi ose, kureva vanhu
vane misikanzwa yokusada kuenda kuma-positions avo. Vanhu vakadaro vanofanira kuziva
kuti hakuna ropafadzo yavanowana nokuti vanowanikwa vasina kumira pavanoropafadzirwa.
Kana mukanzi mukai muende pa-line endai mundomira ikoko, ndiko kuterera.