GWAI GUMBI - HarareTees

GWAI GUMBI
Maita Gwai,
Chinhove changu chichi,
Vane chuma chisingaverengwi,
Vakatorerwa umambo namabvakure,
Isu hanzvadzi tisakashaya,
Vane imba yakazvarwa muRungu.
Maita Hwai yangu yiyi,
Ikachema kunofa dangwe,
Ukaidya unopera mazimo.
Maita vokwaChinhove changu chichi,
Vanofa chihwaihwai.
Maita zvenyu vari Ruvamba,
Vari Mharamasimbe.
Kuziva zvenyu vari Manyewe,
Vari Baramhanza,
VokwaMabvudzikuwanda,
Mazhinji ndoazere tsine.
Tatenda vari Mburwi,
Chakatyoka chiramwa ndochadaidze wacho,
Mhodzi yefodya kubarika panomera imwe.
Zvaitwa Gono;
Zvaitwa Gumbi:
Zvaitwa Gwai;
Maita Usanga, maita Chuma;
Vari kumiuya misere,
Maita vari Mhondoro;
Tatenda Chinhove changu chichi,
Zvaonekwa vari Doworo,
Maita mwana waGora;
Aiwa zvaonekwa Gwai rangu riri.